Menu

MAPISAREMA 121

BIB

1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. 3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; 4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. 5 Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; 6 zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. 7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; 8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate