Menu

MAPISAREMA 120

BIB

1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura. 2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera. 3 Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? 4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara. 5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! 6 Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare. 7 Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate