Menu

MAPISAREMA 101

BIB

1 Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. 2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa. 3 Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri. 4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa. 5 Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro. 6 Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira. 7 Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu. 8 Mangwanani oga oga ndichaita kuti vakaipa vose vari panyika vanyarare; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate