Menu

MAPISAREMA 100

BIB

1 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. 2 Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. 3 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. 4 Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake. 5 Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate