Menu

MAPISAREMA 87

BIB

1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; 2 Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. 3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera 4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ “ 5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa." 6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera 7 Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri."

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate