Menu

MAPISAREMA 3

BIB

1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! 2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera 3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. 4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera 5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. 6 Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise. 7 Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. 8 Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate