Menu

MAPISAREMA 21

BIB

1 Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa! 2 Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera 3 Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena. 4 Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri. 5 Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa. 6 Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu. 7 Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi. 8 Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu. 9 Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza. 10 Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu. 11 Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira; 12 nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakawemburwa. 13 Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate