Menu

MAPISAREMA 133

BIB

1 Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana! 2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake. 3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate