Menu

MAPISAREMA 13

BIB

1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu? 2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko? 3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara; 4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa. 5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. 6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate