Menu

MAPISAREMA 129

BIB

1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati, 2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda. 3 Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu." 4 Asi Jehovha akarurama, akandisunungura pamabote avakaipa. 5 Vose vanovenga Zioni ngavadzorerwe shure nenyadzi. 6 Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura; 7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake. 8 Vanopfuura nepo ngavarege kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha."

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate