Menu

MAPISAREMA 125

BIB

1 Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. 2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi. 3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa. 4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama. 5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate